Johani 14:8-9
Johani 14:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Firipi akati, “Ishe, tiratidzei Baba kuti zvigotiringana.” Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’
Johani 14:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Firipi akati kwaari, “Ishe, tiratidzei baba zvigotiringana.” Jesu akati kwaari, “Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipi? Andiona ini, aona baba; zvino unoreva seiko, uchiti, ‘Tiratidzei baba?’
Johani 14:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Firipi akati, “Tenzi tiratidzei Baba tinobva tagutsikana.” Jesu akati kwaari, “Nhai Firipi, ko zvandagarazve nguva ndefu yakadai nemi, nanhasi wose haundizivi? Inga wani akaona ini akaona Baba. Zvino ungagoti seiko tiratidzei Baba?
Johani 14:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Ƃaɓa ɀigotiriŋgana. Jesu akati kwaari: Ndakaʋa nemi ŋguʋa refu yakaɗai, ko hauzati wandiziʋa here, Firipo? Wandiʋona ini, waʋona Ƃaɓa; ɀino unoreʋa seiko, uciti: Tiratidzei Ƃaɓa?
Johani 14:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)