Johani 15:9-15
Johani 15:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana. Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai.
Johani 15:9-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Baba sezvavakandida, neni ndakakudai; garai murudo rwangu. Kana muchichengeta mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirayiro yababa vangu, ndichigara murudo rwavo. “Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi. Hakuna munhu ano rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arasire hama dzake upenyu hwake. Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurayirai ini. Handichakuidzii varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa naishe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kuna baba vangu, ndakakuzivisai izvo.
Johani 15:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sokundida kwakaita Baba ndokukudaiwo kwandakaita. Rambai muri murudo rwangu. Kana mukachengeta mitemo yangu, mucharamba muri murudo neni sokuchengetawo kwandakaita mitemo yaBaba vangu ndinoramba ndiri murudo navo. Ndataura izvi kwamuri kuti rufaro rwangu ruve mamuri uyewo kuti rufaro rwenyu ruzare. “Uyu ndiwo mutemo wangu wokuti: Idanai sokukudai kwandakaita. Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokuudzai. Handicharamba ndichikutii varanda nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake asi ndava kukutii shamwari nokuti ndakakuzivisai zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu.
Johani 15:9-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ƃaɓa seɀaʋakandiɗa, neni ndakakuɗai; garai muruɗo rwaŋgu. Kana muciceŋgeta mirairo yaŋgu, mucagara muruɗo rwaŋgu, seni ndaiceŋgeta mirairo yaƂaɓa ʋaŋgu, ndicigara muruɗo rwaʋo. Ɀinhu iɀoɀi ndakaɀitaura kwamuri, kuti mufaro waŋgu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. Uyu ndiwo murairo waŋgu, kuti muɗane, seni ndakakuɗai imi. Hakunomunhu unoruɗo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake ʋupenyu bgake. Im muri hama dzaŋgu, kana muciita ɀandinokurairai ini. Handicakuidziyi ʋaranda; nokuti muranda haaziʋi ɀinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti ɀose ɀandakanzwa kunaƂaɓa ʋaŋgu, ndakakuziʋisai iɀo.
Johani 15:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)