Johani 16:7-8
Johani 16:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa
Johani 16:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. “Iye kana asvika achazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa
Johani 16:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvakadaro zvazvo, ndinokuudzai chokwadi, chokuti zvinotokubatsirai kuti ndiende nokuti ndikarega kuenda, Murevereri uya haazouya; asi ndikaenda ndichamutumira kwamuri. Paanouya achazivisa nyika kuti ine mhosva yechitadzo uye kuti ine mhosva pamafungiro ayo nezvoururami uyewo kuti ine mhosva panezvokutonga.
Johani 16:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ini ndinokuʋudzai ɀokwaɗi, kana ndiciti: Ɀirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisiŋgaendi, Munyaradzi haaŋgaʋuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndicamutumira kwamuri. Iye kana aȿika, ucaziʋisa nyika pamsoro peɀiʋi, napamsoro pokururama, napamsoro pokutoŋgwa
Johani 16:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)