Johani 2:1-11
Johani 2:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva rechitatu muchato wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo, uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu. Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.” Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.” Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.” Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana. Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo. Ipapo akati kwavari, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.” Vakaita saizvozvo. Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino.” Jesu akaita chiratidzo ichi chokutanga paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
Johani 2:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nezuva retatu muchato waivapo paKana yeGariria; namai vaJesu vakanga varipo. NaJesu navadzidzi vake vakanga vadanwawo kumuchato. Waini yakati ichizoshayikwa, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachine waini.” Jesu akati kwavari, “Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika.” Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.” Zvino kwakanga kuna makate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviero zviviri kana zvitatu. Jesu akati kwavari, “Zadzai makate nemvura.” Ivo vakaazadza kusvikira pamiromo. Akati kwavari, “Cherai zvino muise kumukuru womuchato.” Vakandoisa. Zvino mukuru womuchato wakati aravira mvura yakasanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womuchato akadana muwani, akati kwaari, “Munhu mumwe nomumwe anositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vanwa kwazvo; asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.” Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu akaita paKana yeGariria, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
Johani 2:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva retatu kwakava nomuchato kuKana yokuGarirea. Amai vaJesu vakanga variko. Jesu akakokwawo kumuchato iwoyo pamwechete navadzidzi vake. Waini payakapera, amai vaJesu vakati kwaari, “Vanhu vapererwa newaini.” Jesu akati kwavari, “Nhai amai, ko isu tinei nazvo, nguva yangu haisati yasvika.” Amai vake vakati kuvashandi, “Itai zvose zvaanenge akutaurirai.” Zvino ipapo pakanga paina mazigate matanhatu amabwe maererano netsika yavaJudha yokuzvichenura. Rimwe nerimwe rawo raiita marita makumi manomwe anamashanu kusvika kuzana ramarita rina marita gumi namashanu. Jesu akati kwavari, “Zadzai makate aya nemvura.” Ivo vakaazadza kuti tuba. Akazovati, “Zvino chicherai imwe muendese kuna samukuru womuchato.” Saizvozvo vakaenda nayo. Samukuru uya paakaravira, mvura iya yakanga yatova waini asi iye akanga asingazivi kwayakanga yabva. Asi Vashandi vaya vakanga vachera mvura ndivo vaizviziva. Samukuru womuchato akadaidza muwani akati kwaari, “Vanhu vose vanotanga vapa vanhu waini yakanaka. Kana vachinge vanyatsonwa zvavo ndokwakuzovapa isina kunaka asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira iye zvino.” Ichi ndicho chiratidzo chaJesu chokutanga chaakaita kuratidza mbiri yake. Achiita ari kuKana yokuGarirea.
Johani 2:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa retatu mutambo wokuwana waiʋa’po paKana yeGarirea; namai ʋaJesu ʋakaŋga ʋari’po. NaJesu naʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaɗanwa ʋo kumutambo wokuwana. Waini yakati icizoshaikwa, mai ʋaJesu ʋakati kwaari: Haʋacinewaini. Jesu akati kwaʋari: Ndineiko nemi, mai? Ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika. Mai ʋake ʋakati kuʋaranda: Itai ɀose ɀaanokuʋudzai. Ɀino kwakaŋga kunamakate matanhatu amabge, akaŋga aiswa’po netsika yaʋaJuda yokuɀinatsa, rimŋe nerimŋe raizadzwa neɀiyero ɀiʋiri kana ɀitatu. Jesu akati kwaʋari: Zadzai makate nemvura. Iʋo ʋakaazadza kuȿikira pamiromo. Akati kwaʋari: Cerai ɀino muise kumukuru womutambo. Ʋakandoisa. Ɀino mukuru womutambo wakati araʋira mvura yakashanduka waini, asiŋgaziʋi payabva, (asi ʋaranda, ʋakaŋga ʋacera mvura, ʋaiziʋa), mukuru womutambo akaɗana cikomba, akati kwaari: Munhu mumŋe nomumŋe unositaŋga aɓuɗisa waini yakanaka, neisiŋganaki kana ʋanwa kwaɀo; asi iwe waceŋgeta waini yakanaka kuȿikira ɀino. Ici ciratidzo cake cokutaŋga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubginya kwake; ʋadzidzi ʋake ʋakatenda kwaari.
Johani 2:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)