Johani 20:24-31
Johani 20:24-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Tomasi (ainzi Dhidhimo), mumwe wavane gumi navaviri, akanga asiri pamwe chete navamwe vadzidzi, Jesu paakauya. Saka vamwe vadzidzi vakamuudza kuti, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.” Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange zvazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!” Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.” Tomasi akati kwaari, “Ishe wangu naMwari wangu!” Ipapo Jesu akati kwaari, “Nokuda kwokuti wandiona, zvino watenda; vakaropafadzwa avo vasina kuona asi vakatenda.” Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri. Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.
Johani 20:24-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Tomasi, ainzi Dhidhimo, mumwe wavane gumi navaviri, akanga asipo, pakuuya kwaJesu. Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari, “Taona Ishe.” Iye akati kwavari, “Kana ndikasaona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.” Zvino mazuva masere akati apfuurazve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akauya, misuo yapfigwa, akamira pakati pavo, akati, “Rugare kwamuri!” Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.” Tomasi akapindura, akati kwaari, “Ishe wangu, naMwari wangu!” Jesu akati kwaari, “Watenda, nokuti wandiona? Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuona.” Zvino Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi; asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari; uye kuti, muchitenda, muve noupenyu muzita rake.
Johani 20:24-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tomasi mumwe wavanegumi navaviri ainzi Mapatya, akanga asinavo pakauya Jesu. Ipapo vamwe vadzidzi vakamutaurira kuti, “Taona Tenzi.” Asi iye akavati, “Kana ndisina kutoona mavanga ezvipikiri mumaoko ake ndikapinza munwe wangu mumavanga iwayo ndikapinzawo chanza changu parutivi pake handitendi.” Mushure memazuva masere vadzidzi vake vakanga vari mumba muyazve uye Tomasi akanga ainavo. Makonhi akanga akapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.” Tomasi akamupindura achiti, “Ndimi Tenzi wangu naMwari wangu.” Jesu akati kwaari, “Watenda nokuti wandiona nhai? Vakakomborerwa zvavo vanotenda ivo vasina kundiona.” Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji vadzidzi vake vachiona zvisina kunyorwa mubhuku rino iri. Izvi zvakanyorwa kuti mudavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari uyewo kuti nokutenda ikoko muve noupenyu muzita rake.
Johani 20:24-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Tomasi, wainzi Didimo, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wakaŋga asi’po paʋari, pakuʋuya kwaJesu. Ɀino ʋamŋe ʋadzidzi ʋakati kwaari: Taʋona Ishe. Iye akati kwaʋari: Kana ndikasaʋona maʋaŋga embambo muɀanza ɀake, nokuisa munwe waŋgu paiʋa nembambo, nokuisa ruʋoko rwaŋgu murutiʋi rwake, handiŋgatoŋgotendi. Ɀino mazuʋa masere akati apfuʋura ɀe, ʋadzidzi ʋakaŋga ʋari’mo mukati, naTomasi anaʋo. Jesu akaʋuya, mikoʋa yapfigwa, akamira pakati paʋo, akati: Rugare kwamuri! Ipapo akati kunaTomasi: Ʋuya pano nomunwe wako, uʋone ɀanza ɀaŋgu; ʋuya noruʋoko rwako, uruise murutiʋi rwaŋgu; usaʋa usiŋgatendi, asi unotenda. Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe waŋgu, naMŋari waŋgu! Jesu akati kwaari: Watenda, nokuti wandiʋona? Ʋacaropafadzwa ʋanotenda, kunyaŋge ʋasina‐kuʋona. Ɀino Jesu wakaita ɀimŋe ɀiratidzo ɀizhinji pamberi paʋadzidzi ʋake, ɀisina‐kunyorwa mubuku iyi; asi iɀi ɀakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mŋanakomana waMŋari; ʋuye kuti, mucitenda, muʋe noʋupenyu muzita rake.
Johani 20:24-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)