Johani 20:27-28
Johani 20:27-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.” Tomasi akati kwaari, “Ishe wangu naMwari wangu!”
Johani 20:27-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.” Tomasi akapindura, akati kwaari, “Ishe wangu, naMwari wangu!”
Johani 20:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.” Tomasi akamupindura achiti, “Ndimi Tenzi wangu naMwari wangu.”
Johani 20:27-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akati kunaTomasi: Ʋuya pano nomunwe wako, uʋone ɀanza ɀaŋgu; ʋuya noruʋoko rwako, uruise murutiʋi rwaŋgu; usaʋa usiŋgatendi, asi unotenda. Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe waŋgu, naMŋari waŋgu!
Johani 20:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)