Johani 21:15-17
Johani 21:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwayana angu.” Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?” Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Chengeta makwai angu.” Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?” Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwai angu.
Johani 21:15-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kuna Simoni Petirosi, “Simoni, mwanakomana waJona uno rudo neni kupfuura ava here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwayana dzangu.” Akati kwaarizve rwechipiri, “Simoni, mwanakomana waJona, une rudo neni here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Chengeta makwai angu.” Akati kwaari rwechitatu, “Simoni, mwanakomana waJona, Unondida here?” Petirosi akarwadziwa mwoyo, nokuti akati kwaari rwechitatu, “Unondida here?” Akati kwaari, “Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwai dzangu.
Johani 21:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakapedza kudya kwamangwanani Jesu akati kuna Simoni Pita, “Nhai Simoni mwana waJohani unondida here kupfuura ava?” Iye akati kwaari, “Hongu Tenzi munoziva wani kuti ndinokudai.” Jesu ndokuti, “Fudza hwayana dzangu.” Akamutizve rwechipiri Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.” Akati kwaari kechitatu, “Simoni mwana waJohani unondida here?” Pita zvikati zvamurwadza nokuti akamuti rwechitatu, “Unondida here?” Pita akati kwaari, “Tenzi inga munoziva zvose wani, munoziva imi kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.”
Johani 21:15-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋaȿuȿura, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni kupfuʋura aʋa here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiana aŋgu. Akati kwaari ɀe rwecipiri: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Ceŋgeta makwai aŋgu. Akati kwaari rwecitatu: Simoni, mŋanakomana waJona: Unondiɗa here? Petro akarwadziwa mŋoyo, nokuti wakati kwaari rwecitatu: Unondiɗa here? Akati kwaari: Ishe, munoziʋa ɀose; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai aŋgu.
Johani 21:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)