Johani 3:16-17
Johani 3:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.
Johani 3:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete kuti munhu wose anotenda maari arege kufa, asi kuti awane upenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye.
Johani 3:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.
Johani 3:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete kuti munhu wose anotenda maari arege kufa, asi kuti awane upenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye.
Johani 3:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti Mŋari haana‐kutumira Mŋanakomana wake panyika, kuti atoŋge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.