Johani 4:39-42
Johani 4:39-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.” Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri. Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi. Vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”
Johani 4:39-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi, akapupura, achiti, “Andiudza zvose zvandakaita.” Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri. Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake. Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.”
Johani 4:39-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaSamaria vazhinji vaibva muguta iroro vakatenda maari pamusana pouchapupu hwomudzimai uya akati “Wanditaurira zvose zvandakaita.” Naizvozvo vaSamaria pavakauya kwaari vakamukumbira kuti ambogara navo. Akagaramo kwamazuva maviri. Vamwe vazhinjiwo vakatenda nokuda kwamazwi ake. Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.”
Johani 4:39-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaSamaria ʋazhinji ʋeguta iro ʋakatenda kwaari neshoko romukadzi, wakapupura, aciti: Wandiʋudza ɀose ɀandakaita. Ɀino ʋaSamaria ʋakati ʋaciȿika kwaari, ʋakamunyeŋgetera kuti agare naʋo; akagara’po mazuʋa maʋiri. Naʋamŋe ʋazhinji ʋakatenda neshoko rake. Ʋakati kumukadzi: Haticatendi nokureʋa kwako; taɀinzwira timene, tinoziʋa kuti uyu ndiye Muponesi wenyika ɀirokwaɀo.
Johani 4:39-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)