Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:9 - Enzanisa Shanduro Dzose

Johani 4:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)

Pakurirana nevamwe
Johani 4 BDSC

Johani 4:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria).

Pakurirana nevamwe
Johani 4 SNA2002

Johani 4:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti ʋaJuda haʋafambidzani naʋaSamaria).

Pakurirana nevamwe
Johani 4 SUB1949

Johani 4:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.

Pakurirana nevamwe
Johani 4 SCLB

Johani 4:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.

Pakurirana nevamwe
Johani 4 SCLBD