Johani 9:2-3
Johani 9:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?” Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake.
Johani 9:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti, “Rabhi, ndianiko akatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?” Jesu akapindura, akati, “Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
Johani 9:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti, “Nhai Mudzidzisi ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake zvakaita kuti aberekwe ari bofu?” Jesu akapindura achiti, “Haasi munhu uyu akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitirwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
Johani 9:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, ʋaciti: Rabi, ndianiko wakatadza, uyu kana ʋaɓereki ʋake, ɀaakaɓerekwa riri ɓofu? Jesu akapindura, akati: Uyu haana‐kutadza, kunyaŋge naʋaɓereki ʋake; asi iɀi ɀakaitwa kuti maɓasa aMŋari aʋoneswe maari.
Johani 9:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)