Jobho 2:11-13
Jobho 2:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shamwari nhatu dzaJobho, Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamati dzakati dzanzwa pamusoro pokutambudzika kwakanga kwawira pamusoro pake, vakabva kumisha yavo vakaungana pamwe chete vatenderana kuti vaende kundomudemba uye vamunyaradze. Vakati vamuona ari chinhambwe, havana kugona kumuziva, vakatanga kuchema zvikuru, uye vakabvarura nguo dzavo uye vakazvimwaya guruva pamisoro yavo. Ipapo vakagara pasi naye kwamazuva manomwe nousiku hunomwe. Hakuna munhu akagona kutaura kana shoko kwaari, nokuti vakaona kukura kwokutambudzika kwake.
Jobho 2:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shamwari nhatu dzaJobho dzakati dzichinzwa zvakaipa zvose zvakanga zvamuwira, dzikauya mumwe nomumwe achibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNamati; vakatenderana kundomunzwira tsitsi nokumunyaradza. Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo. Ipapo vakagara pasi naye mazuva manomwe nousiku hunomwe; asi hakuna nomumwe akataura naye kunyange shoko rimwe; nokuti vakaona kuti njodzi yake yakanga iri huru kwazvo.
Jobho 2:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shamŋari nhatu dzaJobo dzakati dzicinzwa ɀakaipa ɀose ɀakaŋga ɀamuwira, dzikaʋuya mumŋe nomumŋe acibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBirdadi muShuhi, naZofari muNaamati; ʋakatenderana kundomuɗemba nokumunyaradza. Ɀino ʋakati ʋacitarira ʋaciri kure, ʋakasamuziʋa, ʋakacema kwaɀo, mumŋe nomumŋe akabvarura ŋguʋo yake, ʋakakushira guruʋa kuɗeŋga pamisoro yaʋo. Ipapo ʋakagara pasi naye mazuʋa manomŋe noʋusiku ʋunomŋe, asi hakuna‐nomumŋe wakataura naye kunyaŋge shoko rimŋe; nokuti ʋakaʋona kuti njodzi yake yakaŋga iri huru kwaɀo.
Jobho 2:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvino kuzoti shamwari nhatu dzaJobhu padzakanzwa nhamo dzose dzakanga dzawira Jobhu, dzakauya kwaari, imwe neimwe ichibva kunzvimbo yayo. Kwaiti Erifazi muTemani naBhiridhadhi muShuhi naZofa muNaamati. Vakanga vatenderana kuuya pamwechete kuzobata maoko Jobhu vachimunyaradza. Pavakaona Jobhu nokure havana kukwanisa kumuziva. Vakahwihwidza kuchema vachisvimha misodzi. Vakabva vabvarura magemenzi avo vakazvidira ivhu mumusoro vachiritiburirira kudenga. Vakagara pasi naye siku nesikati kwamazuva manomwe pasina aimbotaura naye izwi rimwechete zvaro nokuti vakaona kuti kurwadziwa kwake kwakanga kwakanyanya kwazvo.
Jobho 2:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)