Jobho 2:3
Jobho 2:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira here muranda wangu Jobho? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa. Uye anoramba amire pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira pamusoro pake kuti ndimuparadze pasina chikonzero.”
Jobho 2:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akati kuna Satani, “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa; nazvino anorambira pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asine mhaka.”
Jobho 2:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa; naɀino unorambira pakururama kwake, kunyaŋge iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asinemhaka.
Jobho 2:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tenzi akati kuna Satani, “Wakazombofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi?” Munhu anoramba akasimba paururami kunyange wakandiitisa kuti ndimuparadze pasina chikonzero.
Jobho 2:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)