Jobho 2:9-10
Jobho 2:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukadzi wake akati, “Ucharambira pakururama kwako kusvikira riniko? Tuka Mwari ufe!” Iye akapindura akati, “Iwe unotaura somukadzi benzi. Ko, tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari, tikashayiwa zvakaipa here?” Muzvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza pane zvaakataura.
Jobho 2:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mukadzi wake akati kwaari, “Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako.” Asi iye akati kwaari, “Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.
Jobho 2:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mukadzi wake akati kwaari: Ucarambira naɀino pakururama kwako here? Shoʋora Mŋari, ufe hako. Asi iye wakati kwaari: Iwe unotaura seɀinotaura mumŋe waʋakadzi mapenzi. Tiŋgagamucira ɀakanaka ɓedzi paruʋoko rwaMŋari, tikasagamucira ɀakaipa ʋo here? Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza nomuromo wake.
Jobho 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mudzimai wake akamuti, “Mucharamba makangoomererana noururami hwenyu here? Dai matoshonha zvenyu Mwari mufe.” Asi Jobhu akati kwaari, “Inga unotaura serimwe benzi ravakadzi. Saka tinofanira kungogamuchira zvakanaka chete kuna Mwari asi zvakaipa torega nhai?” Muna zvose izvozvi Jobhu hapana chaakataura nomuromo wake chaakatadzira nacho Mwari.
Jobho 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)