Jobho 8:5-7
Jobho 8:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari, Ukakumbira kuna waMasimbaose; Kana ukava akanaka, akaruruma; Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako, Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama. Kunyange kutanga kwako kwaiva kuduku, Asi kuguma kwako kwaiva kukuru kwazvo.
Jobho 8:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose, kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo. Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira.
Jobho 8:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ukatsvaka Mwari uchinamata kuna iye Samasimba, kana uri mutsvene wakarurama, anotokusimukira achikupa mubayiro wopokugara pakanaka. Kutangisa kwako kungave kuduku zvako asi kumagumo kwazvo zvichava zvikuru.
Jobho 8:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana iwe ukashiŋgaira kutȿaka Mŋari, Ukakumbira kunaWamasimba ose; Kana ukaʋa wakanaka, wakarurama; Iye uŋgaɗai aimuka ɀino nokuɗa kwako, Akafambisa ɀakanaka imba yako yakarurama. Kunyaŋge kutaŋga kwako kwaiʋa kuɗuku, Asi kuguma kwako kwaiʋa kukuru kwaɀo.