Jona 4:10-11
Jona 4:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Jehovha akati, “Iwe wanga une hanya nomuzambiringa uyu, kunyange zvazvo usina kuuchengeta kana kuukudza. Wakabuda nousiku humwe uye ukaparara nousiku humwe. Asi Ninevhe rine vanhu vanopfuura zviuru zana namakumi maviri avanhu vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi ndorupi kana rworuboshwe ndorupi, uye nemombe zhinjiwo. Handingavi nehanya here neguta iro guru?”
Jona 4:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akati, “Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwi wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera nousiku humwe, ukapararazve nousiku humwe; ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?”
Jona 4:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI akati, “Unonzwira urombo mupfuta wausina kushandira zvako uye wausina kumboita kuti ukure. Wakavapo nousiku umwechete ukazopararawo nousiku humwechete. Ini ndingarege here kunzwira tsitsi Ninivhe guta guru rina vanhu vanodarika zana namakumi maviri ezviuru vasingazivi kusiyanisa rudyi noruboshwe rwavo uyewo mune zvipfuwo zvakawanda.”
Jona 4:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akati: Iwe wakaŋga unetsitsi nomuti womucindwe wausina‐kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera noʋusiku ʋumŋe, ukaparara ɀe noʋusiku ʋumŋe; ko ɀino ini handizaifanira kuʋa netsitsi neNineve, riya guta guru, munaʋanhu ʋanopfuʋura ɀuru ɀinezana namakumi maʋiri, ʋasiŋgaziʋi kuti ruʋoko rwaʋo rworudyi kana ruʋoko rwaʋo rworuɓoshwe ndorupi, ʋuye ɀipfuwo ɀizhinji here?
Jona 4:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)