Joshua 4:21-23
Joshua 4:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akataura navana vaIsiraeri, akati, “Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’ Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka
Joshua 4:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati kuvaIsraeri, “Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza madzibaba avo vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’ muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’ Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka.
Joshua 4:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akataurira vaIsiraeri kuti, “Kana mangwana, zvizukuru zvenyu zvozobvunza madzibaba azvo kuti, ‘Matombo aya anorevei?’ Ipapa izotaurira vana venyu kuti, ‘VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu napakaoma.’ Ndinodaro nokuti Tenzi, Mwari wenyu akakuomeserai mvura yaJorodhani kusvikira mayambuka, sezvakaitawo iye Tenzi, Mwari wenyu kugungwa Dzvuku raakatiomesera kusvikira tayambuka
Joshua 4:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akataura naʋana ʋaIsraeri, akati: Kana ʋana ʋenyu ʋacizobvunza madziɓaɓa aʋo paŋguʋa inoʋuya, ʋaciti: Mabge awa anoti kuɗiniko? Imi munofanira kuziʋisa ʋana ʋenyu, muciti: Israeri ʋakayambuka Joridani urwu ʋacitsika pasi pakawoma. Nokuti Jehova Mŋari wakapxisa mvura yaJoridani pamberi penyu, kuȿikira mayambuka, seɀaakaita iye Jehova Mŋari wenyu paGuŋgwa Dɀuku, raakapxisa pamberi peɗu, kuȿikira tayambuka
Joshua 4:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)