Judha 1:24-25
Judha 1:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru, kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni.
Judha 1:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kuna iye anogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo, kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni.
Judha 1:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kuna iye anokwanisa kukuchengetedzai musina kuputsika achikusvitsai musina chinoshoreka muchifara paari mumbiri yake kuna iye Mwari mumwechete Mununuri wedu nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu ngakuve nembiri, noukuru, nesimba nechiremera sezvakanga zviripo nakare kose, zviripo iye zvino uye nokusingaperi. Ameni.
Judha 1:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kunaiye unogona kukuceŋgetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubginya kwake musinacamuŋgapomerwa, mucifara kwaɀo, kunaMŋari iye mumŋe, Muponesi weɗu, naJesu Kristu, Ishe weɗu, ŋgakuʋe kubginya, noʋumambo, nesimba, noʋushe, ŋguʋa isati yaʋa’po, naɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.
Judha 1:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)