Revhitiko 10:3 - Compare All Versions
Revhitiko 10:3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati: “ ‘Pakati peavo vachaswedera kwandiri ndicharatidza utsvene hwangu, pamberi pavanhu vose ndichakudzwa.’ ” Aroni akaramba anyerere.
Revhitiko 10:3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, ‘Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose.’ ” Aroni akanyarara.
Revhitiko 10:3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo.
Revhitiko 10:3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Jehova wakataura cinhu ici, akati: Ndicaɀiratidza kuti ndiri mutȿene munaʋose ʋanosweɗera kwandiri, ndicaɀirumbidza pamberi paʋanhu ʋose. Aroni akanyarara.
Revhitiko 10:3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)