Revhitiko 26:13 - Compare All Versions
Revhitiko 26:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipita zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.
Revhitiko 26:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
Revhitiko 26:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka.
Revhitiko 26:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti murege kuʋa ʋatapxa ʋaʋo; ndakavuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
Revhitiko 26:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka.