Ruka 18:10-14
Ruka 18:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi. MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu. Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ “Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’ “Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
Ruka 18:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vanhu vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe ari muFarisi, mumwe ari muteresi. MuFarisi akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati, ‘Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo. Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ Asi muteresi akamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chipfuva, akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!’ ” Ndinoti kwamuri, “Uyu akaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuura uya. Nokuti mumwe nomumwe, anozvikudza, achaninipiswa, nomumwe nomumwe, anozvininipisa achakudzwa.”
Ruka 18:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Vamwe varume vaviri vakaenda muTemberi kundonamata. Mumwe wavo aiva muFarisei, mumwe ari muteresi. MuFarisei akamira akanamata nechomumwoyo achiti, ‘Mwari ndinokutendai nokuti handina kuita savamwe vanhu, vapambi, vasina ruenzaniso, nemhombwe kana somuteresi uyu. Ndinotsanya kaviri pasvondo. Ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ Asi muteresi akamira nechokure asingatomboda kusimudza maziso ake kudenga. Akazvibata pachifuva achizvininipisa achiti, ‘Mwari, ndinzwirewo tsitsi ini mutadzi.’ Ndinokutaurirai kuti murume uyu akaenda kumba kwake aruramiswa panze pomumwe uya. Nokuti munhu wose anozvikudza achadukupiswa asi uyo anozvidukupisa anokudzwa.”
Ruka 18:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanhu ʋaʋiri ʋakakwira kutembere kundonyeŋgetera, mumŋe ari muFarise, mumŋe ari muteresi. MuFarise akandomira, akanyeŋgetera kuɗai, aciɀireʋa, akati: Ndinokutendai Mŋari, kuti handina‐kufanana naʋamŋe ʋanhu, makororo, ʋasakarurama, mhombge, kana nomuteresi uyo. Ndinoɀinyima ɀokudya kaʋiri neviki, ndinopa cegumi ceɀose ɀandinowana. Asi muteresi wakamira kure, asiŋgaɗi kunyaŋge nokutarira kuɗeŋga, akaɀiroʋa cifuʋa, akati: Mŋari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi! Ndinoti kwamuri: Uyu wakaɓurukira kumba kwake aruramiswa kupfuʋura uya. Nokuti mumŋe nomumŋe, unoɀikudza, ucaninipiswa, nomumŋe nomumŋe, unoɀininipisa ucakudzwa.
Ruka 18:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)