Ruka 18:2-8
Ruka 18:2-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akati, “Mune rimwe guta makanga munomumwe mutongi, akanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu. Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichiuya kwaari, ichiti, ‘Ndiruramisire kumuvengi wangu.’ Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumwoyo make, ‘Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu; iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzouya pashure indirove kumeso.’ ” Ishe akati, “Inzwai zvinorehwa nomutongi asakarurama. Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakatsanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku, kunyange achinonoka pamusoro pavo here? Ndinoti kwamuri, achakurumidza kuvaruramisira. Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, achawana kutenda panyika here?”
Ruka 18:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu. Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’ “Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu, asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’ ” Zvino Ishe akati, “Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama. Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here? Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?”
Ruka 18:2-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari kana kuzeza munhu. Maivawo neimwe chirikadzi muguta iroro yaingoramba ichiuya kwaari ichiti, ‘Ndienzanisireiwo nyaya yangu nomuvengi wangu.’ Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu asi pamusana pokuti chirikadzi iyi inondinetsa, regai ndiienzanisire nyaya yayo; ingandisvote nokuramba kwayo ichingouya.’ ” Tenzi akati, “Inzwai zviri kutaurwa nomutongi asina kururama. Mwari haangadzivirire here vasarudzwi vake vanochema kwaari siku nesikati. Angavanonokere kwenguva ndefu here? Ndinokutaurirai kuti achavadzivirira nokuchimbidza. Kunyange zvakadaro zvazvo, pachauya Mwanakomana womunhu, achasvikowana panyika pane chitendero here?”
Ruka 18:2-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akati: Munerimŋe guta makaŋga munomumŋe mutoŋgi, wakaŋga asiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu. Ɀino kwakaŋga kunecirikadzi muguta iro, yairamba iciʋuya kwaari, iciti: Ndiruramisire kumuʋeŋgi waŋgu. Iye akamboramba ŋguʋa; asi pashure akati mumŋoyo make: Kunyaŋge ndisiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu; iyi cirikadzi ɀainonditambudza, ndicairuramisira, kuti irege kuzoʋuya pashure indiroʋe kumeso. Ishe akati: Inzwai ɀinorebga nomutoŋgi usakarurama. Ko ɀino Mŋari haaŋgaruramisiri ʋakasanaŋgurwa ʋake, ʋanoɗanidzira kwaari masikati noʋusiku, kunyaŋge acinonoka pamsoro paʋo here? Ndinoti kwamuri: Ucakurumidza kuʋaruramisira. Asi Mŋanakomana womunhu kana aciȿika, ucawana kutenda panyika here?
Ruka 18:2-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)