Ruka 22:47-53
Ruka 22:47-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane Gumi naVaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode, asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?” Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?” Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa. Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo? Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”
Ruka 22:47-53 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kuna Jesu, kuti amutsvode. Jesu akati kwaari, “Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?” Zvino vaiva naye vakati vachina zvichaitika, vakati, “Ishe, totema neminondo here?” Ipapo mumwe wavo akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Jesu akapindura, akati, “Regai, zvaringana.” Akabata nzeve yake, akamuporesa. Zvino Jesu akati kuvapristi vakuru navakuru vetemberi, navakuru vakanga vauya kwaari kumubata, “Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here? Ndaiva nemi mutemberi mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima.”
Ruka 22:47-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Paakanga achiri kutaura kudaro, kwakauya chikwata chavanhu nomumwe murume ainzi Judhasi mumwe wavane gumi navaviri achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu akamutsvoda. Asi Jesu akati kwaari, “Judhasi unotengesa Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?” Vakanga vakamupoteredza pavakaona zvakanga zvavakuda kuitika vakati, “Tenzi totema namapakatwa here?” Mumwe wavo akabva atema muranda womupristi mukuru achimudimbura nzeve yake yokurudyi. Jesu akati, “Imi siyanayi nazvo izvi” akabata nzeve yake ndokumurapa. Jesu akataura kuvapristi vakuru namapurisa apaTemberi navakuru vakuru vakanga vauya kuzomusunga achiti, “Mauya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuvinga gororo. Asi pandaiva nemi zuva nezuva muTemberi imi hamuna kundisunga. Ino inguva yenyu nenguva yamasimba erima.”
Ruka 22:47-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ruka 22:47-53 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati acataura, tarira, ʋanhu ʋazhinji, naiye wainzi Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaʋatuŋgamirira; akasweɗera kunaJesu, kuti amuȿete. Jesu akati kwaari: Judasi, unopandukira Mŋanakomana womunhu nokuȿeta here? Ɀino ʋaiʋa naye ʋakati ʋaciʋona ɀicaitika, ʋakati: Ishe, totema neminondo here? Ipapo mumŋe waʋo akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Jesu akapindura, akati: Regai, ɀariŋgana. Akaɓata nzeʋe yake, akamuporesa. Ɀino Jesu akati kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, naʋakuru ʋakaŋga ʋaʋuya kwaari kumuɓata: Maɓuɗa neminondo netȿimbo sokugororo here? Ndaiʋa nemi mutembere mazuʋa ose mukasandiɓata; asi ɀino iŋguʋa yenyu nesimba rerima.