Ruka 5:12-13
Ruka 5:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati ari kune rimwe guta, tarira, kwakanga kune murume akanga anamaperembudzi muviri wose; iye akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Ipapo akatambanudza ruoko, akamubata, achiti, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
Ruka 5:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” Ipapo Jesu akatambanudza ruoko rwake ndokumubata achiti, “Ndinoda, chichenurwa uporeswe hako.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera.
Ruka 5:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari.
Ruka 5:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati ari kunerimŋe guta, tarira, kwakaŋga kunomurume wakaŋga anamaperembudzi pamuʋiri wose; iye akati aciʋona Jesu, akaɀiwisira pasi neciso, ndokukumbira kwaari, aciti: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. Ipapo akatambanudza ruʋoko, akamuɓata, aciti: Ndinoɗa, cinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
Ruka 5:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)