Ruka 8:22-25
Ruka 8:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa.” Naizvozvo vakapinda mugwa vakatanga kufamba. Pavakanga vachifamba, akavata. Dutu guru rakauya mugungwa, zvokuti igwa rakanga rava kunyura, uye vakanga vava munjodzi huru. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi, tava kunyura!” Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo. Akabvunza vadzidzi vake akati, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Mukutya kwavo nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
Ruka 8:22-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nerimwe ramazuva iwayo akapinda muigwa navadzidzi vake, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri kwegungwa.” Vakaenda. Zvino vakati vachienda, iye akavata; dutu guru remhepo rikauya pagungwa; vakatanga kuzarirwa nemvura, vakava munjodzi. Vakauya kwaari, vakamumutsa, vachiti, “Tenzi! Tenzi! Tofa!” Ipapo akamuka, akarayira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama. Zvino akati kwavari, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti, “Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?”
Ruka 8:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rimwe zuva Jesu akapinda mugwa navadzidzi vake. Akati kwavari ngatiyambukirei kumhiri kwegungwa. Nezvo vakatangisa kuenda. Pavakanga vachienda kudaro Jesu akakotsira. Kwakauya dutu richivhuvhuta mugungwa. Igwa rakanga ravakuzara nemvura. Vakanga vava munjodzi. Vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi tava kuparara.” Akamuka akatsiura mhepo namasaisai namafungu anotyisa. Zvakabva zvaganhuka kukabva kwati dzika–dzika. Akavati, “Chitendero chenyu chiripi?” Vakabva vava kutya uye vakakatyamadzwa. Vakataurirana vachiti, “Ko uyu ndiani uyu anotoudza kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
Ruka 8:22-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nerimŋe ramazuʋa iwayo wakapinda mugwa naʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Ŋgatiyambukire mhiri kweguŋgwa. Ʋakaenda. Ɀino ʋakati ʋacienda, iye akaʋata; ɗutu guru remhepo rikaʋuya paguŋgwa; ʋakataŋga kuzarirwa nemʋura, ʋakaʋa munjodzi. Ʋakaʋuya kwaari, ʋakamumutsa, ʋaciti: Tenzi! Tenzi! tofa! Ipapo akamuka, akaraira mhepo namafuŋgu emvura; ɀikaguma, kukadzikama. Ɀino akati kwaʋari: Kutenda kwenyu kuripiko? Ʋakatya nokushamiswa, ʋakataurirana, ʋaciti: Ndianiko uyu, ɀaanoraira kunyaŋge nemhepo nemvura, ɀicimuterera?
Ruka 8:22-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)