Maraki 1:6
Maraki 1:6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mwanakomana anokudza baba vake, nomuranda anokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imi vapristi vanozvidza zita rangu. Zvino imi moti, ‘Tinozvidza zita renyu neiko?’
Maraki 1:6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Mwanakomana anokudza baba vake, uye muranda anokudza tenzi wake. Kana ndiri baba, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kuremekedzwa kwangu kuripiko? Ndimi, iyemi vaprista, munozvidza zita rangu. “Asi munobvunza muchiti, ‘Takazvidza zita renyu seiko?’ ”
Maraki 1:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Inga wani mwanakomana anoremekedza baba vake, muranda anoremekedza vatenzi vake. “Zvino kana ini ndiri baba, kuremekedzwa kwangu kuripi? Kana ini ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripi? Ndizvo zviri kureva TENZI wehondo nehondo kwamuri iyemi vapristi munozvidza zita rangu. Munotika imi takazvidza zita renyu sei
Maraki 1:6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana unokudza ɓaɓa ʋake, nomuranda unokudza tenzi wake; ɀino kana ndiri ɓaɓa ʋenyu, kukudzwa kwaŋgu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwaŋgu kuripiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo kwamuri, imi ʋaprista ʋanoɀidza zita raŋgu. Ɀino imi moti: Tinoɀidza zita renyu neiko?
Maraki 1:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)