Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 2:16 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 2:16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunzvenga, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 BDSC

Mateo 2:16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBheterehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SNA2002

Mateo 2:16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Herode, wakati aʋona kuti wanyeŋgerwa naʋacenjeri, akatsamŋa kwaɀo‐kwaɀo; akatuma ʋanhu kundoʋuraya ʋana ʋaʋakomana ʋose ʋaiʋa muBetrehema napanyika yose yakapotereka, ʋaiʋa namakore maʋiri naʋaɗuku kwaʋari, iri ŋguʋa yaakanzwisisa kuʋacenjeri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SUB1949

Mateo 2:16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Herodhi, paakaona kuti akanga abatiswa pasi navazivi vezvenyenyedzi vaya, akaviruka nehasha akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose muBheterehemu nomunharaunda iyoyo yose vakanga vana makore maviri kana makore ari pasi paiwayo maererano nenguva yaakanga ataurirwa navazivi venyenyedzi vaya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SCLB

Mateo 2:16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mateo 2 SCLBD