Mateo 2
2
Ʋacenjeri ʋamabʋazuʋa.
1Jesu wakati aɓerekwa paBetrehema reJudea, pamazuʋa amambo Herode, tarira, ʋacenjeri ʋakaȿika Jerusarema ʋacibva mabvazuʋa, 2ʋakati: Uripiko Mambo waʋaJuda wakaɀarwa? nokuti takaʋona nyeredzi yake kumabvazuʋa, taʋuya kuzomunamata. 3Mambo Herode aciɀinzwa, wakamanikidzwa, neJerusarema rose naye. 4Akakokera ʋaprista ʋakuru ʋose naʋanyori ʋaʋanhu, akaʋabvunza kuti Kristu ucaɓerekwepi. 5Ʋakati kwaari: PaBetrehema reJudea; nokuti ndiɀo ɀakanyorwa nomuprofita, ɀicinzi:
6Newe Betrehema, nyika yeJudea,
Hauzi muɗuku kwaɀo kuʋaɓati ʋaJuda;
Nokuti kwauri Kucaɓuɗa Mutuŋgamiriri,
Ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri.
7Ɀino Herode wakaɗana ʋacenjeri, ʋari ʋoga, akaʋabvunzisisa ŋguʋa yakaʋonekwa nyeredzi nayo, 8akaʋatuma Betrehema, akati: Endai munatsobvunzisisa ɀomŋana; kana mamuwana, mundiʋudze, kuti neni ʋo ndiʋuye kuzomunamata. 9Ʋakati ʋanzwa mambo, ʋakaenda; ɀino, tarira, nyeredzi yaʋakaŋga ʋaʋona kumabvazuʋa, yakaʋatuŋgamirira, kuȿikira yandomira pamsoro peimba pakaŋga panomŋana. 10Ʋakati ʋaʋona nyeredzi. ʋakafara nomufaro mukuru‐kuru. 11Ʋakapinda mumba, ʋakawana mŋana naMaria mai ʋake; ʋakawira pasi, ʋakamunamata; ʋakasunuŋgura fuma yaʋo, ʋakamupa ɀipo ɀendarama, neɀinonhuwira, nemura. 12Ʋakati ʋanyeʋerwa pakurota naMŋari, kuti ʋarege kudzokera kunaHerode, ʋakaenda kunyika yaʋo neimŋe nzira.
Kutizira Egipita nokuʋurawa kwaʋana.
13Ʋakati ʋaenda, tarira, mutumŋa waShe wakaʋonekwa naJosefa pakurota, aciti: Simuka, utore mŋana namai ʋake, utizire Egipita, ugare’ko kuȿikira ndicikuʋudza; nokuti Herode ucatȿaka mŋana kuti amuʋuraye. 14Akasimuka, akatora mŋana namai ʋake ʋusiku, akaenda Egipita, 15akagara’ko kuȿikira Herode afa, kuti ɀiitike ɀakarebga naShe nomuromo womuprofita, aciti: Ndakaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita. 16Ɀino Herode, wakati aʋona kuti wanyeŋgerwa naʋacenjeri, akatsamŋa kwaɀo‐kwaɀo; akatuma ʋanhu kundoʋuraya ʋana ʋaʋakomana ʋose ʋaiʋa muBetrehema napanyika yose yakapotereka, ʋaiʋa namakore maʋiri naʋaɗuku kwaʋari, iri ŋguʋa yaakanzwisisa kuʋacenjeri. 17Ɀikaitika ɀakarebga nomuprofita Jeremia, aciti:
18Inzwi rakanzwika muRama,
Rokucema nokurira kukuru;
Rakeri acicema ʋana ʋake,
Asiŋgaɗi kunyaradzwa, nokuti haʋaci’po.
Kudzoka paEgipita.
19Herode wakati afa, tarira, mutumŋa waShe akaʋonekwa naJosefa pakurota paEgipita, 20akati: Simuka, utore mŋana namai ʋake, uende kunyika yaʋaIsraeri, nokuti ʋaitȿaka kuʋuraya mŋana ʋafa. 21Akasimuka, ndokutora mŋana namai ʋake, akaȿika kunyika yaʋaIsraeri. 22Asi, wakati acinzwa kuti Arkerao waʋa mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Herode, akatya kuenda’ko; akanyeʋerwa pakurota, akaenda kumatiʋi enyika yeGarirea; 23akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti ɀakarebga naʋaprofita ɀiitike, kuti ucanzi muNazareta.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018