Mateo 2:9 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 2:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana.
Mateo 2:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana.
Mateo 2:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ʋakati ʋanzwa mambo, ʋakaenda; ɀino, tarira, nyeredzi yaʋakaŋga ʋaʋona kumabvazuʋa, yakaʋatuŋgamirira, kuȿikira yandomira pamsoro peimba pakaŋga panomŋana.
Mateo 2:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a–a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana.
Mateo 2:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a–a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana.