Mateo 21:1-11
Mateo 21:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri. Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza.” Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti: “Muti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, ari pamusoro pomwana wembongoro.’ ” Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu. Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo. Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!” Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?” Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.”
Mateo 21:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vachisvika Bhetifage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana dhongi nemwana waro akasungirirwa, murisunungure, muuye naro kwandiri. Kana ani naani achitaura chinhu kwamuri, muti, ‘Ishe anorida;’ pakarepo acharidzosa.” Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike, paakati, “Udzai mwanasikana weZioni, Tarira Mambo wako anouya kwauri, Ari munyoro, akatasva dhongi, Nemhuru yechipfuwo chinokweva.” Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu, vakauya nedhongi nemwana waro, vakaisa nguo dzavo pamusoro paro; Jesu ndokuritasva. Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira. Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusorosoro!” Akati apinda Jerusaremu, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati, “Uyu ndianiko?” Vanhu vazhinji vakati, “NdiJesu muporofita weNazareta reGariria.”
Mateo 21:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvavakanga vavakusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage, pagomo reMiorivhi. Jesu akatuma vadzidzi vaviri achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi muchasvikowana dhongi rakasungirirwa nomwana waro Asunungurei muuye nawo kwandiri. Kana mumwe munhu akataura chinhu kwamuri, mutaurirei kuti, ‘Tenzi anoada uye achaadzosa nokukurumidza.’ ” Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa nomuporofita achiti, “Taurirai mukunda, guta reZioni, kuti, tarira uone Mambo wako ari kuuya kwauri akazvininipisa, akatasva padhongi, padhongwana mwana wedhongi.” Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga vataurirwa naJesu. Vakaunza dhongi nemwana waro. Vakawaridza hanzu dzavo pamadhongi aya, Jesu akabva atasva. Vanhu vazhinji vegurumwandira riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa. Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira mumugwagwa. Gurusvusvu ravanhu vaiva mberi nevaimutevera vaidaidzira vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Hosana kumusorosoro.” Paakapinda muJerusaremu, guta rose rakanyanduka richiti, “Ndiani uyu?” Vanhu vazhinji vakati, “Uyu ndiye muporofita Jesu wokuNazareti yokuGarirea.”
Mateo 21:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋacisweɗera Jerusarema, ʋakaȿika Betefage, pagomo reMiorivi, Jesu akatuma ʋadzidzi ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo mucawana mboŋgoro yakasuŋgirwa, inemhuru yayo; mudzisunuŋgure, muʋuye nadzo kwandiri. Kana aninani acitaura cinhu kwamuri, muti: Ishe unodziɗa; pakarepo ucadzituma. Iɀoɀo ɀakaitwa, kuti ɀakataurwa nomuprofita ɀiitike, paakati: Ʋudzai mŋanasikana weZioni: Tarira Mambo wako unoʋuya kwauri, Ari munyoro, akataȿa mboŋgoro, Nemhuru yecipfuwo cinokweʋa. Ʋadzidzi ʋakaenda, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJesu, ʋakaʋuya nemboŋgoro nemhuru, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro padzo; akagara pamsoro padzo. Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakamutuŋgamirira, naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! Ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe! Hosana kumsoro‐soro! Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, ʋanhu ʋakati: Uyu ndianiko? Ʋanhu ʋazhinji ʋakati: NdiJesu muprofita weNazareta reGarirea.
Mateo 21:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)