Mateo 21:21
Mateo 21:21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika.
Mateo 21:21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri, ‘Simudzwa, ukandirwe mugungwa,’ zvichaitwa.
Mateo 21:21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu ndokuvapindura achiti, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Kana muine chitendero uye musingakahadziki hamuiti chete zvaitika kumuonde asi kunyange mukati kugomo iri simudzwa ukandwe munyanza zvichaitwa.
Mateo 21:21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ƌai maiʋa nokutenda, musiŋganyunyuti, hamuŋgaiti iɀi ɀomuʋonde ɓedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe muguŋgwa, ɀicaitwa.