Mateo 21:23 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 21:23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapinda muruvazhe rwetemberi, uye paakanga achidzidzisa, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari. Vakamubvunza vakati, “Muri kuita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupai simba irori?”
Mateo 21:23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achipinda mutemberi, vapristi vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani akakupai simba iri?”
Mateo 21:23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Wakati acipinda mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuya kwaari acidzidzisa, ʋakati: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
Mateo 21:23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakapinda muTemberi, vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa, vakati: “Unoita zvinhu izvi nesimba raani uye ndiani akakupa simba irori?”
Mateo 21:23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Paakapinda muTemberi, vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa, vakati: “Unoita zvinhu izvi nesimba raani uye ndiani akakupa simba irori?”