Mateo 21:24 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 21:24 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi.
Pakurirana nevamwe
Mateo 21 BDSCMateo 21:24 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.
Pakurirana nevamwe
Mateo 21 SNA2002Mateo 21:24 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe; kana mukandiʋudza iro, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi.
Pakurirana nevamwe
Mateo 21 SUB1949Mateo 21:24 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Kana mukandipa mhinduro, ini ndinobva ndakutauriraiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani.
Pakurirana nevamwe
Mateo 21 SCLBMateo 21:24 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Kana mukandipa mhinduro, ini ndinobva ndakutauriraiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani.
Pakurirana nevamwe
Mateo 21 SCLBD