Mateo 24:37-39
Mateo 24:37-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi zvichavawira kusvikira mvura zhinji yauya, ikavaparadza vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.
Mateo 24:37-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka, uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
Mateo 24:37-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu.
Mateo 24:37-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Sapamazuʋa aNoa, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Nokuti sapamazuʋa iwayo, mvura zhinji isati yaȿika, ʋaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa Noa raakapinda naro muareka, ʋasiŋgaziʋi kuȿikira mvura zhinji yaʋuya, ikaʋabvisa ʋose; ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu.
Mateo 24:37-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)