Mateo 25:32-46
Mateo 25:32-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; achavaraura somufudzi anoraura makwai nembudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. “Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’ “Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’ “Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’ Zvino achati kuna vari kuruboshwe, ‘Ibvai kwandiri, imi manyombwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomujeri, mukasandifambira.’ Zvino naivava vachapindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?’ Zvino achavapindura, achiti, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamusakazviitireni.’ Ava vachaenda kunorohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”
Mateo 25:32-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Marudzi ose avanhu achaunganidzwa pamberi pake. Iye achaparadzanisa vanhu, mumwe nomumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi hwai nembudzi. Achaisa hwai kurudyi rwake, mbudzi achidziisa kuruboshwe. “Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’ “Ipapo achati kuna vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makarengererwa rushambwa mupinde mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake, nokuti ndakanga ndiine nzara mukasandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukasandipa chokunwa. Ndaiva mweni mukasandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukasandipa chokupfeka. Ndairwara uye ndaiva mujeri asi hamuna kundishanyira.’ “Ivo vachapindurawo vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara kana kuti muine nyota kana muri mweni kana musina chokupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakuitirai chinhu.’ Iye achavapindura achiti, ‘Zvechokwadi chaizvo zvamusina kuzviita kuno mumwe wavadiki ava, hamuna kuzviita kwandiri?’ “Ava vachaenda kuchirango chisingaperi asi vakarurama vachienda kuupenyu usingaperi.”
Mateo 25:32-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake. “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’ “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’ “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’ “Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’ “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’ “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’ “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”
Mateo 25:32-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Marudzi ose avanhu achaunganidzwa pamberi pake. Iye achaparadzanisa vanhu, mumwe nomumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi hwai nembudzi. Achaisa hwai kurudyi rwake, mbudzi achidziisa kuruboshwe. “Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’ “Ipapo achati kuna vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makarengererwa rushambwa mupinde mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake, nokuti ndakanga ndiine nzara mukasandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukasandipa chokunwa. Ndaiva mweni mukasandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukasandipa chokupfeka. Ndairwara uye ndaiva mujeri asi hamuna kundishanyira.’ “Ivo vachapindurawo vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara kana kuti muine nyota kana muri mweni kana musina chokupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakuitirai chinhu.’ Iye achavapindura achiti, ‘Zvechokwadi chaizvo zvamusina kuzviita kuno mumwe wavadiki ava, hamuna kuzviita kwandiri?’ “Ava vachaenda kuchirango chisingaperi asi vakarurama vachienda kuupenyu usingaperi.”
Mateo 25:32-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
namarudzi ose acaʋuŋganidzwa pamberi pake; ucaʋaraʋura somufudzi unoraʋura makwai nembudzi. Ucaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruɓoshwe. Ɀino Ishe ucati kunaʋari kurudyi: Ʋuyai imi, makaropafadzwa naƂaɓa, mugare nhaka yoʋushe bgakagadzirirwemi kubva pakuʋamba kwenyika. Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukandipa cokunwa; ndakaŋga ndiri mŋeni, mukandigamucira; ndakaŋga ndisineŋguʋo, mukandipfekedza; ndakaŋga ndicirwara, mukandifambira; ndakaŋga ndiri mutoroŋgo, mukaʋuya kwandiri. Ɀino ʋakarurama ʋacamupindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, tikakupai cokudya? kana munenyota, tikakupai cokunwa? Takakuʋonai riniko muri mŋeni, tikakugamucirai? kana musineŋguʋo, tikakupfekedzai? Takakuʋonai riniko mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikaʋuya kwamuri? Ishe ucapindura, aciti kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Pamakaɀiitira mumŋe waʋaɗuku ʋehama dzaŋgu idzi, makaɀiitireni. Ɀino ucati kunaʋari kuruɓoshwe: Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende kumŋoto usiŋgaperi, wakagadzirirwa Diaborosi naʋatumŋa ʋake. Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukasandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukasandipa cokunwa; ndakaŋga ndiri mŋeni, mukasandigamucira; ndisineŋguʋo, mukasandipfekedza; ndicirwara, nomutoroŋgo, mukasandifambira. Ɀino naiʋaʋa ʋacapindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, kana munenyota, kana muri mŋeni, kana musineŋguʋo, kana mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikasakushumirai? Ɀino ucaʋapindura, aciti: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, pamusati makaɀiitira mumŋe waʋaɗuku aʋa, hamuzakaɀiitireni. Aʋa ʋacaenda kukurobga kusiŋgaperi; asi ʋakarurama kuʋupenyu bgusiŋgaperi.