Mateo 26:31-35
Mateo 26:31-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, boka ramakwai rigopararira.’ Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.” Petro akapindura akati, “Kunyange vamwe vose vakatiza nokuda kwenyu, ini handizoiti izvozvo.” Jesu akati, “Ndinokuudza chokwadi kuti usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Asi Petro akati kwaari, “Kunyange ndichifanira kufa nemi, handingatongokurambai.” Vamwe vadzidzi vose vakadarowo.
Mateo 26:31-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa neni usiku huno; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai eboka achaparadzwa.’ Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.” Zvino Petirosi akapindura, akati kwaari, “Kana vose vakagumburwa nemi, ini handingatongogumburwi.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti usiku huno, jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Petirosi akati kwaari, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambi ini.” Vadzidzi vose vakadarowo.
Mateo 26:31-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kwavari, “Mucharasiswa mose pamusana pangu usiku huno nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi danga rehwai rigopararira.’ Asi kana ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” Pita akamupindura achiti, “Vamwe vose vangarasiswe zvavo pamusana penyu asi ini handimborasika.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akati kwaari, “Kunyange zvikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Ndizvo zvakataurwawo navamwe vadzidzi vose.
Mateo 26:31-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri ʋusiku bguno; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai eɓoka acaparadzwa. Asi kana ndamutswa, ndicakutuŋgamirirai Garirea. Ɀino Petro wakapindura, akati kwaari: Kana ʋose ʋakagumburwa kwamuri, ini handiŋgatoŋgogumburwi. Jesu akati kwaari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, kuti ʋusiku bguno, joŋgwe risati rarira, ucandiramba katatu. Petro akati kwaari: Kunyaŋge ndikafanira kufa nemi, handiŋgatoŋgokurambiyi ini. Ʋadzidzi ʋose ʋakaɗaro ʋo.
Mateo 26:31-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)