Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 26:36-56

Mateo 26:36-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jesu akaenda navadzidzi vake kunzvimbo inonzi Getsemani, uye akati kwavari, “Garai pano ini ndichienda apo kundonyengetera.” Akatora Petro navanakomana vaZebhedhi vaviri akaenda navo, uye akatanga kusuwa, uye akatambudzika. Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.” Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete? Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.” Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope. Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo. Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi. Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!” Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista vakuru navakuru vavanhu. Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.” Judhasi akaenda pakarepo kuna Jesu akati, “Kwaziwai, Rabhi!” uye akamutsvoda. Jesu akamupindura achiti, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo varume vakaswedera pedyo vakabata Jesu, vakamusunga. Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo. Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makuru gumi namaviri? Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?” Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga. Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 26

Mateo 26:36-56 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jesu akasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi, “Garai pano, ini ndichaenda kundonyengetera uko.” Akatora Petirosi navanakomana vaZebhedhi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde neni.” Akapfuura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.” Akaendazve rwechipiri, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akaendazve, akavawana vavata; nokuti meso avo akanga abatwa nehope. Akavasiyazve, akandonyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo. Zvino akaenda kuvadzidzi, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; tarirai, nguva yasvika, Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.” Achataura, tarira Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji-zhinji vakabata minondo, netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navakuru vavanhu. Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandichatsvoda, ndiye; mumubate.” Pakarepo akasvika kuna Jesu, akati, “Kwaziwai, Rabhi!” Akamutsvoda zvikuru. Jesu akati kwaari, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo vakauya, vakaisa maoko kuna Jesu, vakamubata. Zvino tarira, mumwe wavaiva naJesu, akatambanudza ruoko rwake, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzosera munondo wako muhara ravo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo. Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru ane gumi namaviri? “Magwaro angagoitika seiko, anoti zvinofanira kuitwa kudaro?” Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, “Mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutemberi mazuva ose, ndichidzidzisa, mukasandibata. Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe.” Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 26

Mateo 26:36-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akaenda navo kune imwe nzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano ini ndimboenda uko ndimbondonamata.” Akatora Pita navanakomana vaviri vokwaZebhedhi akabva atanga kudumbirwa nokutambura. Akazoti kwavari, “Ini ndadumbirwa zvikuru zvokunge ndichafa. Sarai pano murindire pamwechete neni.” Jesu akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi nouso akanamata achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu wamatambudziko ngaundipfuure asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.” Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akauyazve akavawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru. Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo. Akadzokazve kuna vadzidzi vake akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu muchitozorora nhai? Tarirai muone kuti nguva yatosvika yavakuturirwa Mwanakomana womunhu mumaoko avatadzi. Chisimukai tiende, houno anonditengesa wavakusvika.” Paakanga achiri kutaura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri akasvika, nechikwata chikuru chavanhu vaine mapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru navakuru–vakuru vavanhu. Mutengesi uya akanga avapa chiratidzo chokuti uyo wandinenge ndatsvoda ndiyeyo, mubatei. Judhasi akabva auya pana Jesu akati, “Tikukwaziseika, Mudzidzisi,” akabva amutsvoda. Jesu akati kwaari, “Shamwari, ingoita zvawavinga.” Vakabva vauya vakati Jesu dzvi kumubata. Ipapo mumwe wavakanga vaina naJesu akatambanudza ruoko rwake ndiye bakatwa rake wee ndokuvaura kudimura nzeve yomuranda womupristi mukuru. Jesu akamuti, “Dzosera bakatwa rako panzvimbo paro nokuti vose vanoshandisa bakatwa vanofa nebakatwa. Unofunga here kuti handikwanisi kukumbira Baba vangu, vachinditumira pakarepo zvikwata zvavatumwa zviuru gumi nezviviri. Ko zvino Magwaro Matsvene anozozadzikiswa sei anoti zvinofanira kuti zvive saizvozvo?” Panguva iyoyo Jesu akati kuzvikwata zviya zvavanhu, “Nhaimi, mauya kuzondibata segororo, muina mapakatwa netsvimbo? Zuva nezuva ndaigara muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata. Asi izvi zvaitika kuti Magwaro Matsvene avaporofita azadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya votiza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 26

Mateo 26:36-56 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jesu wakaȿika naʋo panɀimbo inonzi Getsemani, akati kuʋadzidzi: Garai pano, ini ndicaenda kundonyeŋgetera uko. Akatora Petro naʋanakomana ʋaZebedi ʋaʋiri, akataŋga kuʋa neshuŋgu nokuɗumbirwa. Akati kwaʋari: Mŋeya waŋgu uneshuŋgu kwaɀo, kuȿikira pakufa; garai pano, murinde neni. Akapfuʋura mberi ɀishomanene, akawira pasi neciso cake, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana ɀicibvira, mukombe uyu ŋgaupfuʋure kwandiri; kunyaŋge ɀakaɗaro kurege kuʋa kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwenyu. Akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Makaŋga musiŋgagoni seiko kurinda neni ŋguʋa imŋe cete? Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba. Akaenda ɀe rwecipiri, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana mukombe uyu usiŋgagoni kupfuʋura ndisiŋgaunwi, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe. Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata; nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope. Akaʋasiya ɀe, akandonyeŋgetera rwecitatu, acitaura ɀe mashoko iwayo Ɀino akaenda kuʋadzidzi, akati kwaʋari: Ciʋatai henyu, muzorore; tarirai, ŋguʋa yaȿika, Mŋanakomana womunhu woiswa mumaʋoko aʋatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwaʋari waʋa pedyo. Acataura, tarira Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaɓata minondo, netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu. Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandicaȿeta, ndiye; mumuɓate. Pakarepo akaȿika kunaJesu, akati: Kwaziwai, Rabi! Akamuȿeta ɀikuru. Jesu akati kwaari: Shamŋari, ita ɀawaʋiŋga. Ipapo ʋakaʋuya, ʋakaisa maʋoko kunaJesu, ʋakamuɓata. Ɀino tarira, mumŋe waʋaiʋa naJesu, akatambanudza ruʋoko rwake, akavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake. Ɀino Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti ʋose ʋanoɓata munondo, ʋacafa nomunondo. Unofuŋga here kuti handigoni kukumbira kunaƂaɓa ʋaŋgu, ʋakandipa ikoɀino ʋatumŋa ʋanopfuʋura mapoka makuru‐kuru anegumi namaʋiri? Magwaro aŋgagoitika seiko, anoti ɀinofanira kuitwa kuɗaro? Neŋguʋa iyo Jesu akati kuʋanhu ʋazhinji: Maɓuɗa neminondo netȿimbo kuzondiɓata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuʋa ose, ndicidzidzisa, mukasandiɓata. Asi iɀi ɀose ɀaitwa kuti magwaro aʋaprofita aitike. Ɀino ʋadzidzi ʋose ʋakamusiya, ʋakatiza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 26

Mateo 26:36-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)