Mateo 27:27-44
Mateo 27:27-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari. Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku. Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya. Uye vakagara pasi, vakamurinda. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.” Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!” Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari. Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.
Mateo 27:27-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino varwi vaPirato vakaenda naJesu mumuzinda wagavhuna hondo yose ikaunganira kwaari. Vakamubvisa nguo dzake, vakamufukidza nguo tsvuku; vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate, vakatora rutsanga, vakaramba vachimurova musoro. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, vakamupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. Vakati vasvika panzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru, kuti anwe; asi akati aravira, akaramba kunwa. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya, (kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike, zvinoti: Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu) Vakagara, vakamurindapo. Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake, rwokuti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe. Vakanga vachipfuura, vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.” Saizvozvo vapristi vakuru, navanyori navakuru, vakamuseka, vachiti, “Akaponesa vamwe; haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, titende kwaari. Aivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa, kana achimuda; nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, akamuzvidza saizvozvo.
Mateo 27:27-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Masoja aPirato akaenda naJesu mumuzinda waGavhuna. Boka rose ramasoja rakamuunganira. Vakamupfekenura hanzu vakamupfekedza gemenzi dzvuku. Vakaruka chiremba cheminzwa vakachidzika mumusoro make. Vakamubatisa rutsanga murudyi rwake. Vaipfugama pamberi pake vachimusveeredza vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate vakatora rutsanga ruya vachimurova narwo mumusoro. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa gemenzi riya vakamupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Pavakanga vakubuda, vakasangana nomumwe murume wokuSairini ainzi Simoni. Vakamanikidza murume iyeyo kutakura muchinjikwa waJesu. Pavakasvika panzvimbo inonzi Gorogota zvinoreva kuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakasanganiswa nenduru kuti anwe. Paakairavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange. Vakagara pasi vachimuchengetedza ipapo. Nechapamusoro vakaisa chiga chemhosva yake chaiti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Ipapo makororo maviri akarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye, mumwe ari kurudyi mumwe kuruboshe. Vanhu vaipfuura nepo, vakamuseka vachidzungudza musoro vachiti, “Ndiweka unogona kuputsa Temberi uchiivaka namazuva matatu, chizviponeseka kana uri Mwanakomana waMwari buruka pamuchinjikwa.” Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vakamunyombawo vachiti, “Akaponesa vamwe asi haaagoni kuzviponesa. Ndiyeka mambo wavaIsiraeri. Ngaaburuke pamuchinjikwa iye zvino tigotenda maari. Anovimba naMwari. Ko iye Mwari ngaachimuponesaka kana achimuda nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Kunyange makororo aya akanga akarovererwa naye akamunyombawo nenzira imwecheteyo.
Mateo 27:27-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋarwi ʋomuɓati ʋakaisa Jesu mumba momuɓati, hondo yose ikaʋuŋganira kwaari. Ʋakamubvisa ŋguʋo dzake, ʋakamufukidza ŋguʋo tȿuku; ʋakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsaŋga muruʋoko rwake rworudyi; ʋakafugama pamberi pake, ʋakamuseka, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamupfira mate, ʋakatora rutsaŋga, ʋakaramba ʋacimuroʋa musoro. Ʋakati ʋamuseka, ʋakamubvisa ŋguʋo tȿuku, ʋakamupfekedza ŋguʋo dzake, ʋakaenda naye kundomuroʋera pamucinjikwa. Ʋakati ʋaciɓuɗa, ʋakawana munhu weKurini, wainzi Simoni; ʋakamumanikidza iye kuti atakure mucinjikwa wake. Ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Gorgota, ndokuti nɀimbo yeɗehenya, ʋakamupa waini yakaveŋganiswa nenduru, kuti anwe; asi wakati araʋira, akaramba kunwa. Ʋakati ʋamuroʋera pamucinjikwa, ʋakagoʋana ŋguʋo dzake pakati paʋo, ʋacikanda mijenya, [kuti ɀakarebga nomuprofita ɀiitike, ɀinoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, ʋakakanda mijenya pamsoro peɀokufuka ɀaŋgu.] Ʋakagara, ʋakamurinda’po. Ʋakaisa pamsoro pomusoro wake rugwaro rwemhoȿa yake, rwokuti: UYU NDIJESU MAMBO WAƲAJUDA. Ʋakaroʋera pamŋe cete naye makororo maʋiri, mumŋe kurudyi, mumŋe kuruɓoshwe. Ʋakaŋga ʋacipfuʋura, ʋakamutuka, ʋacidzuŋgudza misoro yaʋo, ʋaciti: Iwe wokuputsa tembere, nokuiʋaka ɀe namazuʋa matatu, ciɀiponesa. Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ɓuruka pamucinjikwa. Saiɀoɀo ʋaprista ʋakuru, naʋanyori naʋakuru, ʋakamuseka, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; haagoni kuɀiponesa! Ndiye Mambo waʋaIsraeri! Ŋgaaɓuruke ɀino pamucinjikwa, titende kwaari. Waiʋimba naMŋari; ŋgaacimusunuŋgura ɀino pamucinjikwa, kana acimuɗa; nokuti wakati: Ndiri Mŋanakomana waMŋari. namakororo akaŋga aroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, akamuɀidza saiɀoɀo.
Mateo 27:27-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)