Mateo 28:12-15
Mateo 28:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vaprista vakuru vakati vasangana navakuru, uye vafunga zano, vakapa varwi mari zhinji vakati kwavari, “Imi munofanira kutaura muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tivete.’ Kana mashoko aya akasvika munzeve dzomubati, isu tichaita kuti agutsikane uye imi musawira mudambudziko.” Saka varwi vakatora mari iya vakaita sezvavakanga varayirwa. Uye shoko iri rakaparadzirwa kwazvo pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
Mateo 28:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋaʋuŋgana naʋakuru, ʋakaraŋgana, ʋakapa ʋarwi mari zhinji, ʋaciti: Taurai muciti: Ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋusiku ʋakamuɓa, isu tiʋete. Kana ɀikanzwika nomuɓati, ticamutendisa, imi murege kusundirwa mhoȿa. Ɀino ʋakatora mari, ʋakaita seɀaʋakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati paƲaJuda, kuȿikira zuʋa ranhasi.
Mateo 28:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vaungana navakuru, vakarangana, vakapa varwi mari zhinji, vachiti, “Taurai muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba, isu tivete.’ Kana zvikanzwika nagavhuna, tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.” Zvino vakatora mari, vakaita sezvavakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha, kusvikira zuva ranhasi.
Mateo 28:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakaita dare navakuru vakuru ndokuita zano rokupa masoja chitsama chakati kuti chemari vachiti, “Taurirai vanhu kuti vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu takakotsira.” Izvi zvikanzwika munzeve dzagavhuna, isu ndisu tichapedzerana naye kuti murege kuva nechinokutambudzai. Saizvozvowo vakatora mari iya vakaita sezvavakanga vataurirwa. Rungano urwu rwakaparidzirwa muvaJudha kusvika pari nhasi.
Mateo 28:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)