Mateo 3:13-17
Mateo 3:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?” Jesu akapindura akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanira kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.”
Mateo 3:13-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akabva Gariria, akasvika kuna Jorodhani kuzobhabhatidzwa naJohani. Asi Johani akaedza kumudzivisa, akati, “Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko mouya kwandiri sei?” Asi Jesu akapindura akati, “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Johani ndokubva atenda hake. Jesu, akati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarukira, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake. Zvino tarira, izwi rakabva kudenga, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira!”
Mateo 3:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akabva kuGarirea achienda kurwizi rwaJorodhani kwaiva naJohani kundoombekwa naye. Johani aida kumurambidza achiti, “Ini ndini ndinofanira kuombekwa nemi. Zvino imi ndimi mouya kwandiri here?” Jesu akamupindura achiti, “Parizvino rega zvive saizvozvo nokuti zvakanaka kuti tizadzise zvakarurama zvose.” Ndipo paakabvuma. Jesu paakangoombekwa akabva abuda mumvura pakarepo ndokubva matenga akazaruka kwaari akaona Mweya waMwari achiburuka akaita senjiva achisvikomhara paari. Hero izwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo anondifadza zvikuru.”
Mateo 3:13-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakabva Garirea, akaȿika paJoridani kunaJohane kuzobapatidzwa naye. Asi Johane wakaidza kumudziʋisa, akati: Ndini ndinofanira kubapatidzwa nemi, ko moʋuya kwandiri sei? Asi Jesu wakapindura, akati kwaari: Cirega hako ɀino, nokuti saiɀoɀo ɀakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega. Jesu, wakati abapatidzwa, pakarepo akaɓuɗa mumvura; ɀino, tarira, ɗeŋga rakamuzarurirwa, akaʋona Mŋeya waMŋari aciɓuruka senjiʋa, akaʋuya pamsoro pake. Ɀino tarira, inzwi rakabva kuɗeŋga, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira!
Mateo 3:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)