Mateo 4:13-22 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 4:13-22 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari, kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti: “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani, Garirea reveDzimwe Ndudzi, vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru; kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chavhenekera.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove. Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
Mateo 4:13-22 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, akabva Nazareta, akandogara Kapenaume pagungwa, munyika yeZabhuroni neNafitari; kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Nyika yeZabhuroni, nenyika yeNafitari, Panzira yegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni; Vanhu vakanga vagere murima Vakaona chiedza chikuru; Navakanga vagere panyika yorufu nomumumvuri worufu, Chiedza chakavabudira.” Kubva panguva iyeyo Jesu akatanga kuparidza, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana. Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo, vakamutevera.
Mateo 4:13-22 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino, wakabva Nazareta, akandogara Kapernaume paguŋgwa, munyika yeZaburoni neNeftarimi; kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Nyika yeZaburoni, nenyika yeNeftarimi, Panzira yeguŋgwa, mhiri kwaJoridani, Garirea raʋahedeni; Ʋanhu ʋakaŋga ʋagere murima Ʋakaʋona ciedza cikuru; Naʋakaŋga ʋagere panyika yorufu nomumumvuri worufu, Ciedza cakaʋaɓuɗira. Kubva paŋguʋa iyeyo Jesu wakataŋga kuparidza, aciti: Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera pedyo. Wakati acifamba paguŋgwa reGarirea, akaʋona ʋarume ʋaʋiri, ʋana ʋomunhu mumŋe, Simoni unonzi Petro, naAndrea munuŋuna wake, ʋacikandira ʋutaʋa muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. Akati kwaʋari: Nditeʋerei, ndigokuitai ʋaɓati ʋaʋanhu. Pakarepo ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo, ʋakamuteʋera. Ɀino wakati apfuʋura mberi, akaʋona ʋamŋe ʋarume ʋaʋiri mugwa, ʋana ʋomunhu mumŋe, Jakobo mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋanaZebedi, ɓaɓa ʋaʋo, ʋacigadzira ʋutaʋa bgaʋo; akaʋaɗana. Pakarepo ʋakasiya igwa naɓaɓa ʋaʋo, ʋakamuteʋera.
Mateo 4:13-22 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva kuNazareti akandogara kuKapanaumu padyo negungwa, mudunhu rokwaZabhuroni nerokwaNafutari kuti zviya zvakanga zvataurwa nomuporofita Isaya zvizadzikiswe zvokuti, “Iwe nyika yeZabhuroni newe nenyika yeNafutari iri pedyo negungwa mhiri kwaJorodhani, Garirea yevechirudzi, vanhu vakanga vagere murima vakaona chiedza chikuru navavo vakanga vagere munyika nomumumvuri worufu chiedza chakavabudira.” Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuparidza achiti pindukai nokuti umambo hokudenga hwaswedera. Zvino Jesu akati achifamba pamahombekombe egungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, vana Simoni anonzi Pita naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi hwavo mugungwa nokuti vakanga vari vabvuvi vehove. Akati kwavari, “Nditeverei. Ini ndichakuitai vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akaenda mberi akaona vamwe, mukoma nomunun'una, Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa navaZebhedhi, baba vavo vachigadzira usvasvi hwavo. Akavadaidza. Pakarepo vakabva vasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
Mateo 4:13-22 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)