Mateo 4
4
Kuidzwa kwaJesu.
(Mar 1:12, 13; Ruka 4:1–13)
1Ɀino Jesu wakatuŋgamirirwa noMŋeya kurenje, kuzoidzwa naDiaborosi. 2Wakati aɀinyima ɀokudya mazuʋa anamakumi manna, noʋusiku bgunamakumi manna, akabva oziya. 3Ɀino muidzi akaʋuya kwaari, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, taura kuti mabge awa ɀiʋe ɀiŋgwa. 4Asi wakapindura, akati: Kwakanyorwa kucinzi: Munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi, asi namashoko ose anoɓuɗa mumuromo waMŋari. 5Ɀino Diaborosi akamuisa muguta dɀene, akamumisa paciruʋu cetembere, 6akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kucinzi:
Iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako,
Pamaʋoko avo ʋacakusimudza,
Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge.
7Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa ʋo: Usaidza Ishe, Mŋari wako. 8Diaborosi akamuisa ɀe pagomo refu‐refu, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika, nokubginya kwabgo; 9akati kwaari: Iɀi ɀose ndicakupa, kana ukawira pasi ukandinamata. 10Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. 11Ɀino Diaborosi akamurega, ʋatumŋa ʋakaʋuya ʋakamushumira.
Jesu paGarirea. Ʋadzidzi ʋokutaŋga.
(Mar 1:14; Ruka 4:14; 5:1–11)
12Jesu wakati anzwa kuti Johane wasuŋgwa, akaenda Garirea. 13Ɀino, wakabva Nazareta, akandogara Kapernaume paguŋgwa, munyika yeZaburoni neNeftarimi; 14kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti:
15Nyika yeZaburoni, nenyika yeNeftarimi,
Panzira yeguŋgwa, mhiri kwaJoridani,
Garirea raʋahedeni;
16Ʋanhu ʋakaŋga ʋagere murima
Ʋakaʋona ciedza cikuru;
Naʋakaŋga ʋagere panyika yorufu nomumumvuri worufu,
Ciedza cakaʋaɓuɗira.
17Kubva paŋguʋa iyeyo Jesu wakataŋga kuparidza, aciti: Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera pedyo.
18Wakati acifamba paguŋgwa reGarirea, akaʋona ʋarume ʋaʋiri, ʋana ʋomunhu mumŋe, Simoni unonzi Petro, naAndrea munuŋuna wake, ʋacikandira ʋutaʋa muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. 19Akati kwaʋari: Nditeʋerei, ndigokuitai ʋaɓati ʋaʋanhu. 20Pakarepo ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo, ʋakamuteʋera. 21Ɀino wakati apfuʋura mberi, akaʋona ʋamŋe ʋarume ʋaʋiri mugwa, ʋana ʋomunhu mumŋe, Jakobo mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋanaZebedi, ɓaɓa ʋaʋo, ʋacigadzira ʋutaʋa bgaʋo; akaʋaɗana. 22Pakarepo ʋakasiya igwa naɓaɓa ʋaʋo, ʋakamuteʋera.
23Jesu akapota neGarirea rose, akadzidzisa mumasinagoge aʋo, aciparidza Evaŋgeri yoʋushe, aciporesa hosha dzose namarwere ose aʋanhu. 24Mukurumbira wake ukanzwika kunyika yose yeSiria; ʋakaʋuya kwaari naʋairwara ʋose, naʋakaɓatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzi, naʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa, naʋaneɀipusha, naʋakaŋga ʋakafa mitezo, akaʋaporesa. 25Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaibva Garirea, neDekapori, neJerusarema, neJudea, nemhiri kwaJo ridani ʋakamuteʋera.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018