Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 5:22 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 5:22 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 BDSC

Mateo 5:22 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SNA2002

Mateo 5:22 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamŋira hama yake, ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; unoti kuhama yake: Raka, ucapara mhoȿa pamakurukota; unoti: Ƃenzi, ucapara mhoȿa kuti atoŋgerwe Gehena romŋoto.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SUB1949

Mateo 5:22 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SCLB

Mateo 5:22 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SCLBD