Nehemia 13:1-2
Nehemia 13:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nezuva iro vakarava mubhuku yaMosesi, vanhu vose vachizvinzwa, vakawana makanyorwa, kuti vaMoabhu navaAmoni havafaniri kupinda paungano yaMwari nokusingaperi; nokuti ivo havana kundosangana navana vaIsiraeri nezvokudya nemvura, asi vakaripira Bharamu kuti avatuke; asi Mwari wedu akashandura kutuka akakuita kuropafadza.
Nehemia 13:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari, nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo.
Nehemia 13:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva iroro vakaverengera vanhu bhuku raMosesi vachizvinzwa. Mubhuku iroro vakawana pakanga pakanyorwa kuti, hakuna munhu wechiAmoni kana wechiMoabhu anobvumirwa kupinda mugungano raMwari, nokuti havana kundochingura vaIsiraeri nechingwa nemvura asi kutoti vakatovakokera Bhiriamu kuti avarengerere achivashurikidzira rushambwa. Zvakadaro zvazvo Mwari wedu akapindura kurengerera nokuvarengerera rushambwa ikoko achikuita kuti kuve chikomborero.
Nehemia 13:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nezuʋa iro ʋakaraʋa mubuku yaMosesi, ʋanhu ʋose ʋaciɀinzwa, ʋakawana makanyorwa, kuti ʋaMoabi naʋaAmoni haʋafaniri kupinda paʋuŋgano yaMŋari nokusiŋgaperi; nokuti iʋo haʋanakundosoŋgana naʋana ʋaIsraeri neɀokudya nemvura, asi ʋakaripira Barami kuti aʋatuke; asi Mŋari weɗu wakashandura kutuka akakuita kuropafadza.
Nehemia 13:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)