Nehemia 6:15-16
Nehemia 6:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo rusvingo rwakapera nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi waEruri, mumazuva makumi mashanu namaviri. Vavengi vedu vose vakati vanzwa izvi, marudzi ose akatipoteredza akatya uye vakaora mwoyo, nokuti vakaona kuti basa iri rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.
Nehemia 6:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri. Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipotoredza vakatya, vakaora mwoyo; nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.
Nehemia 6:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo rusvingo rwakapera kuvakwa mumazuva anoita makumi mashanu namaviri, pazuva ramakumi maviri nechishanu remwedzi waEruru. Vavengi vedu vose pavakazvinzwa marudzi ose omunharaunda yedu, akatya, akaona kuti zvokutiwo tinzi vanhu hapasisina chaizvo, nokuti vakanga vaonawo kuti basa irori rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.
Nehemia 6:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ruȿiŋgo rwakapera pazuʋa ramakumi maʋiri namashanu romŋedzi weEruri, taʋaka mazuʋa anamakumi mashanu namaʋiri. Ɀino ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋose ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋahedeni ʋose ʋakaŋga ʋakatipoteredza ʋakatya, ʋakaʋora mŋoyo; nokuti ʋakaziʋa kuti ɓasa iri rakaitwa naMŋari weɗu.
Nehemia 6:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)