Nehemia 9:16-17
Nehemia 9:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi iʋo namadziɓaɓa eɗu ʋakaita manyawi, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakasaterera mirairo yenyu, ʋakaramba kuterera, kana kuraŋgarira ɀinoshamisa ɀenyu ɀamakaita pakati paʋo; asi ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakamukira Mŋari, ʋakaɀisharira mukuru kuti ʋadzokere kuʋuranda bgaʋo; asi imi muri Mŋari unokaŋganwira ʋanhu, unenyasha, neŋgoni zhinji, unononoka kutsamŋa, nounetsitsi huru; hamuna‐kuʋasiya.
Nehemia 9:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi ivo madzitateguru edu, vakava namanyawi uye nemitsipa mikukutu, vakasateerera zvamakavarayira. Vakaramba kuteerera uye vakasarangarira zvishamiso zvamakaita pakati pavo. Vakava nemitsipa mikukutu uye pakumukira kwavo vakagadza mutungamiri kuti vadzokere kuutapwa hwavo. Asi imi muri Mwari anokanganwira, ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Naizvozvo hamuna kuvasiya
Nehemia 9:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ivo namadzibaba edu vakaita manyawi, vakaomesa mitsipa yavo, vakasateerera mirairo yenyu. “Vakaramba kuteerera, kana kurangarira zvinoshamisa zvenyu zvamakaita pakati pavo; asi vakaomesa mitsipa yavo, vakamukira Mwari, vakazvisharira mukuru kuti vadzokere kuuranda hwavo; asi imi muri Mwari unokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru; hamuna kuvasiya.
Nehemia 9:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi ivo namadzibaba edu vakazvitutumadza, Vakaomesa musoro, mirao yenyu vakaramba kuchengeta. Vakaramba kuteerera, vakakangamwa zvishamiso zvenyu, zvishamiso zviya zvamakavaitira. Vakaomesa misoro vakatosarudza mutungamiriri wokudzokera naye kuIjipiti kuuranda. Asi imi muri Mwari anoregerera, Mwari ane nyasha netsitsi Muno mwoyo murefu nomwoyochena mukuru Hamuna kuda kuvafuratira.
Nehemia 9:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)