Numeri 12:8 - Compare All Versions
Numeri 12:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinotaura naye takatarisana, pachena kwete nezvirahwe; iye anoona chimiro chaJehovha. Zvino makarega seiko kutya kutaura muchipopotera muranda wangu Mozisi?”
Numeri 12:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mosesi?”
Numeri 12:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndinokurukura naye takatarisana tichinyatsotaurirana pasina zvamadimikira achiona chimiro changu ini Tenzi. Ko makarega sei kutya kutsoropodza muranda wangu Mosesi?”
Numeri 12:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Iye ndicataura naye nomuromo, pacena, ndisiŋgatauri namashoko asiŋganzwisiswi; iye ucaʋona Jehova kuti wakaɗini; naiɀoɀo makaregereiko kutya kupopotera muranda waŋgu Mosesi?
Numeri 12:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokurukura naye takatarisana tichinyatsotaurirana pasina zvamadimikira achiona chimiro changu ini Tenzi. Ko makarega sei kutya kutsoropodza muranda wangu Mosesi?”