Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 13:32 - Compare All Versions

Numeri 13:32 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 13 BDSC

Numeri 13:32 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoisora, vachiti, “Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 13 SNA2002

Numeri 13:32 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Naizvozvo shoko ravakauya vava naro kuzopa vaIsiraeri, vadzoka kundosora nyika iya, raiti, “Nyika yatakasora haikwanise kupa vagari vemo zvokudya zvakakwana. Vanhu vose vatakaonako varefu chaizvo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 13 SCLBD

Numeri 13:32 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Naiɀoɀo ʋakaʋuya kuʋana ʋaIsraeri neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, yaʋakaŋga ʋaenda kundoishora, ʋaciti: Nyika iyo yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika inopedza ʋanhu ʋagere’mo; ʋanhu ʋose ʋatakaʋona’mo ʋaiʋa ʋarume ʋakakura kwaɀo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 13 SUB1949

Numeri 13:32 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Naizvozvo shoko ravakauya vava naro kuzopa vaIsiraeri, vadzoka kundosora nyika iya, raiti, “Nyika yatakasora haikwanise kupa vagari vemo zvokudya zvakakwana. Vanhu vose vatakaonako varefu chaizvo.

Pakurirana nevamwe
Numeri 13 SCLB