Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 14:11 - Compare All Versions

Numeri 14:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Jehovha akati kuna Mozisi, “Vanhu ava vachasvika riniko vachingondizvidza? Vacharamba kunditenda kusvikira riniko, kunyange ndakaita zviratidzo nezvishamiso zvose pakati pavo?

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 BDSC

Numeri 14:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira riniko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 SNA2002

Numeri 14:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo?

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 SCLBD

Numeri 14:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋanhu aʋa ʋacandiɀidza kuȿikira riniko? Ʋacaramba kunditenda ini kuȿikira riniko, neɀishamiso ɀose ɀandakaita pakati paʋo?

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 SUB1949

Numeri 14:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo?

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 SCLB