Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 14:21-23 - Compare All Versions

Numeri 14:21-23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi hazvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, uye zvirokwazvo sokuzara kunoita nyika yose nokubwinya kwaJehovha, hakuna mumwe wavarume vakaona kubwinya kwangu nezvishamiso zvandakaita muIjipiti nomurenje asi vakasanditeerera, uye vakandiedza kanokwana kagumi, hakuna mumwe wavo achazoona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaiona.

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 BDSC

Numeri 14:21-23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha, varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri izwi rangu, zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 SNA2002

Numeri 14:21-23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi ndinopika neni pachangu. Ndinopika nembiri yangu izere pasi pose ndichiti, ‘Hakuna nomumwe wavanhu ava achapinda munyika iyoyo. Vakaona mbiri yangu nezvishamiso zvandakaita kuIjipiti nomurenje, asi vakandiedza kagumi kagumi vasinganditeerere. Hakuna nomumwe wavo achapinda munyika yandakapikira madzitateguru avo, kana vose vakandishora havambofa vakakutsika.’

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 SCLBD

Numeri 14:21-23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu, ʋuye nyika yose ɀaicazara nokubginya kwaJehova, ʋarume aʋa ʋose ʋakaʋona kubginya kwaŋgu neɀiratidzo ɀaŋgu, ɀandakaita muEgipita nomurenje, ʋakandiidza ɀino runegumi, ʋasiŋgatereri inzwi raŋgu, ɀirokwaɀo, haʋaŋgaʋoni nyika yandakapikira madziɓaɓa aʋo; hakunomumŋe waʋakandiɀidza ucaiʋona

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 SUB1949

Numeri 14:21-23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi ndinopika neni pachangu. Ndinopika nembiri yangu izere pasi pose ndichiti, ‘Hakuna nomumwe wavanhu ava achapinda munyika iyoyo. Vakaona mbiri yangu nezvishamiso zvandakaita kuIjipiti nomurenje, asi vakandiedza kagumi kagumi vasinganditeerere. Hakuna nomumwe wavo achapinda munyika yandakapikira madzitateguru avo, kana vose vakandishora havambofa vakakutsika.’

Pakurirana nevamwe
Numeri 14 SCLB